Chii chinoitisa mukadzi arwadziwe pakusvirana nomurume

0
2082

Chii chinoitisa mukadzi arwadziwe pakusvirana nomurume.

Chikuru chinorwadza pakupinzwa mboro inyaya yokuti iye mukadzi haanzwisisi kuti anofanira kutanga anyorova mubeche kuti panopinda mboro igotsvedzerera pakukoirana. Murumewo haanzwisisi kuti pakupinza mukadzi asina kunyorova anofanira kumbomira ari mukati asingakoiri kuti mukadzi awane nguva yokunyorova pasina kurwadziwa.

Loading...

Kune varume vasinganzwisisi nyaya dzokusvirana idzi vanofunga kuti mukadzi akavhura makumbo anofanira kukauriswa. Vamwe unotonzwa vachizvirova dundundu mukusanzwisisa kwavo. Unonzwa achitaura pamusoro pemusikana wake kuvamwe achiti
Ndakamutsemura
Ndakamubaya
Ndakamurova chinhu
Ndakamuchemedza

Ipapo anenge achitofunga kuti mukadzi ainakirwa nazvo izvo bodo. Hazvizikanwi kuti mukadzi ari pakaoma. Iyewo mukadzi wacho kuti ataurire murume zvomunetsa.

Vanhu nzwisisai kuti kuisvirana mukadzi asina kunyorova zvinorwadza uye zvinokuvadza mamemberane emukati anova ndiwo anobatsira kudzivirira zvirwere. Mukadzi ngaatange anyorova. Kana mhuka chaidzo dzinomirira kusvika hadzi yanyorova. Bhuru rinofembedza rohwa kuti pari kunhuwa kunyorova here, rozokwira mhou. Ko isu vanhu tinozvitadza papi?

Loading...