Chii chinokonzera kuti murume arambe kurara nemukadzi wake?

0
3112

Chii chinokonzera kuti murume wemumba arambe kurara nemukadzi wake?

Mhinduro yezvikonzero…

Kune zvikonzero zvakawanda zvinoitisa kuti munhu wese zvake, murume/mukadzi asada kurara noumwe wake. Kuvarume chikonzero chikuru ndechokuti haachadi mukadzi wake asi haakwanisi kumuudza kuti haachamudi. Vanhurume kazhinji vanongotaura nyaya dzakadzika kana paita crisis. Kutadza kutaura zvaunoda mumba mako kunoitisa kuti mutadze kunzwisisana mumba kusvika pakuti munhu anotanga kutsvaka maitire ekuti anzwisiswe. Kunyararirana nokusasvirana ndizvo zvezvimwe zvinotanga kuitika.

Vanhu vakawanda vanofunga kuti murume kana asingadi kurara nomukadzi wake zvinoreva kuti ari kuhura. Handizvo. Kazhinji murume akatanga kuhura anowedzera kusvirana nomukadzi wake mumba kuti asambofungirwa kuhura.

Kana asisadi mukadzi
Kana ane dambudziko raasingadi kuti mukadzi azive, sokuti ane siki, kana kuti mboro haisi kumira zvakakwana, kana kuti adzingwa basa, kana kuti asungwa, kana kuti akakwereta mari yaasingakwanisi kudzosera.

Varume vanonetsa kunzwisisa nokuti anotora nyaya dzisinei nokusvirana odziunza mukurara. Vanhukadzi vanozviita asi vanozviita kuti murume abvunze kuti chii chiri kuitika. Kana murume abvunza akaudzwa, nyaya yapera makumbo opatsanurwa motosvirana henyu. Varume chero ukabvunza hapana chaunoudzwa. Kungofundumwara hapana chinotaurwa. Vanhu dzidzai kutaurirana mumba menyu. Communication is a good key to a better relationship.

Loading...

Leave a Reply