Hanzvadzi kana ichihura ichikupa mari, unotambira here?

0
1272

Toti uri murume asi une hanzvadzi yaunoziva kuti inohura nevarume vane mari, iyewo opota achikupa mari kana usingashandi, kana kuti kukukweretesa mari paunenge usina. Hanzvadzi iyi haina murume wemumba. Munhu akangozvimiririrawo hake, anonzwisisa kuti mari inowanikwa sei kubva kuvarume vanayo, zvisinei kuti varume ava vane vakadzi here kana kwete.

Zvinoita here kuti ugamuchire mari yakadai uchiziva kwayabva? Ko umwe wevarume vaanohura navo akasangana newe akakupa mari yakati wandei unoramba here?

Zvine basa here kuti hanzvadzi iyi mudiki kwauri kana kuti mukuru kwauri iwe kuti ude kana kuramba kugamuchira mari yaanokupa uchiziva kwayabva. Ko kukutengerawo mudziyo yakaita se motokari kana Tarakita yokurimisa, kana truck yokuitisa maraicha kubva kune dzimwe nyika?

Nyaya yava munyika yedu ndeyokuti mhuri imwe neimwe ine vana vayo vakawanda vanoita basa rechihure zvinotozikamwa kuti ndiro basa ravo. Unoona munhu ane imba yakanaka chose yaanogara, yakavakwa nemari yokuhura. Taurai tinzwe vanhurume?

Loading...

Leave a Reply