Kana ndichisvirwa nomurume wangu hapana chandinonzwa – Ndini here kana kuti murume ane diki!

0
2532

Kana ndichisvirwa nomurume wangu hapana chandinonzwa chandingati chinonaka. Ndingaitawo sei. Ndini here kana kuti murume ane diki.

Kukura kwemboro hakuzi kunoita kuti mukadzi anakirwe. Maitiro amunoita ndiwo anoita munakirwe mese. Kana ichiti hapana zvainohwa handizivi kuti uri kuti hauhwi kuti chombo chapinda here kana kuti muchikoirana hauhwi kuti muri kukoirana.

Kana uchifunga kuti murume wako ane diki zvinoreva kuti iyewo ari kufunga kuti iwe wakakurisa zasi. Ngatichitarisa kuti chiri nyore kugadzirisa ndechipi. Hazviiti kuti murume akudze chombo chake chero zvodii. Asi munhukadzi anokwanisa kusimbisa masuru kusvika ava kugona kushinya chombo chero chesaizi ipi zvayo. Verenga pakahi kusimbisa masuru.

Mochinjazve maitire enyu. Ukavata nedumbu worega makumbo ari pamwe chete asi wongoti simudzei chiuno kusvika murume akupinza neshure, uchaona kuti unokwanisa kushinya chombo zviri nyore, uye chombo chinopinda chese zvichibva nokuti une muviri wakakura sei.

Ukavata nedivi murume wokutanyanga gumbo riri pasi woisa riri pamusoro pafudzi rake, murume anopinda zvinogutsa chose. Imozamai izvozvo.

Loading...