Ko zvakasiyana here kuiswa nomurume akachecheudza kana kuiswa neasina?

0
2866

Ko zvakasiyana here kuiswa nomurume akachecheudza kana kuiswa neasina?

Kunaka kwekuisana hakubvi pakuti murume ane mboro yakaita sei kana kuti mukadzi ane beche rakaita sei asi kuti imi pachenyu moyo yenyu iri pamwe chete zvakadii, mune rudo rwakadii pakati penyu, uye kuti munoshamwaridzana zvakadii. Mukadzi kana ane murume waanoti anaye onge akarerutsa muviri pakusvirana, anonakirwa kupfuura kana ane murume waasinganatsi kuziva. Zvokuti mboro yakachekwa here kana kwete izvo hazvinei nokusvirana.

Asi vanonyora vanoti pakupinda nokubuda mubeche romukadzi murume achikoira, kana ganda riripo rinowedzera kukwizirira madziro abeche kureva kuti zvinowedzera kunaka.

Asizve kana usingahuri unongojaira murume wako iyeye chero zvaari modzidzisana kunakirana. Dambudziko rinobva pakuhura. Paunozosangana nevarume vakasiya wochitanga kufunga kuti zvinoita sei.

Loading...

Leave a Reply