Kukura kwekabhinzi kune basa here? – Kabhinzi kangu kakakurisa!

0
3090

Kukura kwekabhinzi kune basa here? – Kabhinzi kangu kakakurisa! Ndotya kuonekwa nemukomana saka handina kumboita mukomana. Ndine makore 22, chii chandingaita.

Kukura kwebhinzi chinhu chinototsvagwa nevakadzi vakawanda chose. Vakatokunzwa uchikomburena kuti yako yakakurisa vanotoshamisika kuti uri munhu akaita sei asingadi zvinhu zvakanaka..

Loading...

Bhinzi kana yamira une zemo inokwanisa kuva pakati pe hafu ye centimter kusvika pa 5cm. Hapana chakaipa ipapo.

Ikazopfuurawo pa 5cm hazvirevi kuti yakurisa, zvinongoreva kuti uri munhu ane bhinzi refu chete. Hapana chokunetseka pfungwa nacho. Varume vakawanda vanonetseka kuwana kabhinzi nekuti inogara pakahwanda. Zvino yako ichaita nyore kuiwana sanda chinhu chinofanira kukufadza.