Mukadzi wangu ane spiritual husband haadi kusvirwa neni – Ndoita sei?

0
2641

Tete Molly ndibatsireiwo – Ini ndine dambudziko rekuti mukadzi wangu haafariri bonde asi ndinoita zvose during f0replay. Ndakazosvika pakumuudza kuti ok iwewe kana wanzwa kuti urikuda bonde wonditangawo ndobva ndaziva nokuti nguva dzose pandinoti ndoda bonde anongoti I’m not in the mood. Asi kusvika parizvino haasati ambonditi ndoda bonde saka zvinoreva here kuti haridi bonde mukadzi wangu kana kuti ane spiritual husband kana iriko? Ini zve kutsvaka hure handidi ndoda mukadzi wangu ne moyo wose asizve bonde ndinorida. Handizivi kuti ndodii takaitaura nyaya iyi kakawandisa asi hapana chachinja, moyo wangu unorwadziwa. Togona kuita 2 months pasina bonde.

Mhinduro…

Zvinokwanisika kuti pane chikonzero chausingadi kutaura nezvacho kana kuti hautochizivi. Vanhukadzi vashomanana vasingadi zvokusvirana izvi. Kusvirana kunofadza moyo uye kunoderedza kupopotedzana mumba. Ukaona mukadzi anogaropopota muraini, inyaya yokuti haasi kuguta bonde mumba.

Kana mune mwana ari pasi pemakore maviri, zvinokwanisika kuti mukadzi wako ane chirwere chinonzi Post-Natal Depression. Zvinokwanisikazve kuti pakuiswa mukadzi wako haanakirwi nazvo, kusiri kuti imhosva yako asi kungoti kune vanhu vasinganakirwi nokusvirwa. Vanhu ava vashoma zvokuti mhomho yese inonakirwa nazvo hainzwisisi kuti sei munhu achishaya kunakirwa nechinhu chinonaka kudai.

Kotizve kana wakambomuhurira akatadza kukuregerera mumoyo make. Zvinonetsa kuti ade kurara newe. Kotizve kana iye akambobatwa chibharo kare , kana kuti akabvisa mimba, kana kuti akaona chinhu chinotyisa chichiitwa kumunhukadzi ari mwana. Zvese izvi zvinokanganisa mafungire ake panyaya dzokusvirana.

Endai kuProfessional Counselling, kwete zvaana tete vanongoti kumwana wavo “Enda undosvirwa kaviri pazuva” vasinganzwisisi kuti dambudziko chi.

I hope uchabatsirika neizvi mugare zvakanaka mumba nemurume wako.

Comment with your Facebook

comments