Murume akabudisa mboro pakutunda, zvinobatsira here kudzivirira mimba?

0
2139

Murume kubudisa mboro kana akuda kutunda, zvinobatsira here kudzivirira mimba?

Kare zvaifungirwa kuti zvinobatsira asi zvakazoonekwa kuti hazvibatsira. Kana mboro ikamira, mukaita nguva muchirezvana, pfungwa yomurume inoti pane chichaitika, yomboramba yakamirira kuti zviitike. Pakuramba imire apa murume anobudisa oiri yakatsetseka chose uye inonakidza kubata.Kana usina kumboibata misa mboro yomurume wako kusvika abuda oiri iyoyo.

Loading...

Zvadaro mukazosvirana oiri iya inoramba ichibuda kusvika azotunda hurume.

Oiri ine mhodzi dzeurume dzinokwanisa kuitisa mimba. Kubudisa or kuvhomora mboro kana woda kutunda hazvirevi chinhu nokuti murume anenge atosiya hurume mukati memukadzi kare. Hazvibatsiri chinhu pakudzivirira mimba.

Pfekai makondhomu chete kudzivirira mimba nezvirwere zvakawanda.

Loading...