NDINE MUTI WEKUBATA MUKADZI NECHIKOMBA

0
2662

TSIKA yevanhu vanoita zvegumbo mumba, gumbo kunze yagara ichinetsa, kunyanya pakati pevakaroorana uye dzimwe wanano dziri kuparara nekuda kwekatsika aka.

Vamwe varume kana vakadzi vanopedzisira vatsvaga nzira dzakaita sekushandisa rukwa kana rukawo kuitira kuti vadikani vavo vasabude kunopa rudo kunze. N’anga yekuChipinge, VaCharles Ndunge (85) kana kuti Sekuru Ndunge, inoti kana pari pakusota kana kuti pakugadzira madzimai kana varume vasingagutsikane nevadikani vavo muwanano, iyo igodobori.

“Hazvisi nyore kuti mudzimai anoita zvezvikomba abatike nemurume wake. Kazhinji anogona kuonekwa nevamwe vanhu asi muridzi chaiye achingonzwa nemakuhwa. Murume anogona kugara upenyu hwose kusvika vafa achitadza kubata zvikomba zvemudzimai.

“Asi kwandiri harisi dambudziko, ndine zvatinoita zvekuti anoswera amubata. Mushonga kana kuti muti wacho ndinawo,” vanodaro Sekuru Ndunge.

“Mukadzi haagone kurambwa usina kumubata nechikomba. Kunyange ukanzwa nerunyerekupe kuti ndizvo zvaari kuita, hana zvaunoita dakara wamubata. Akakuendera kumatare unonokonwa ndiwe.

“Saka muchiona vamwe varume vachigara upenyu hwose nemadzimai anoita zvechipfambi nekuti vanenge vachitadza kuvabata.

“Vanhu vanenge vachitokunongedzera kuti wakadyiswa izvo zvisirizvo. Pano ndine chikachikiro kana kuti dhibhura chairo, unomubata chete.

“Musi wavanoda kuonana vanogona kutozvitinhira nekwauri pasina kana kuhwandira. Dzimwe nguva mukadzi anogona kutaura oga kuti, ‘ndiregererewo murume wangu, ndakambodanana nanhingi’.

Kana ari murume anodura oga kumukadzi kuti ‘sorry’, rega ndikutaurire chokwadi.”

Sekuru Ndunge vanoti mishonga yavo inoshandisirwa zvose kuvakadzi nekuvarume vanoita zvegumbo mumba, gumbo kunze.

“Kunyange vachienda kunohwanda kumahotera kana muguru chaimo, tangopedza kushandisa mishonga yedu munovabata. Kana zviya zvekunzi chikomba chazokanganisa chikatumira mashoko erudo kumuridzi wemukadzi, kana musikana atumira mashoko erudo kumudzimai wemurume waari kudanana naye, zvinoitika.

“Hakusi kukanganisa, panenge pashanda mishonga. Tinofumura zvakaipa asi hatizoda vanourayana. Ukaona wazvitadza siyanai monotanga zvitsva,” vanodaro.

Sekuru Ndunge vanoti mishonga iyi haina mhosva kuti mumwe ari kure semhiri kwemakungwa, zvinofumuka bedzi. “Unogona kutotumirwa mifananidzo yavo vasina kupfeka paita kuvhiringika pfungwa.”

Mishonga inoshandiswa iyi vanoti haina kusiyana neinosevenzeswa nevavhimi kubata mhuka.

“Imwe nzira iri nyore kuchengetedza misha kune vakaroorana kuisa rukwa kana kuti runyoka kumukadzi kana murume wako. Haumbotyira kuti ari kupi nhasi nekuti panenge paine mudhuri kana kuti ruzhowa.

“Rukwa urwu rwunosanganisira rwekunamirana, rwemasvosve, rwemajuru, kuita ruware kana kusashanda kwenhengo,” vanodaro Sekuru Ndunge. Sekuru Ndunge vanozivikanwa zvikuru kuChipinge uye pakasvika Kwayedza pamusha pavo yakawana paine vanhu vakasiyana, vaimwe vaiva nemotokari “mbishi” — zvose vakadzi nevarume — vachimirira kubatsirwa.

Vamwe vacho vakatanga kuverevedza vachibvapo mushure mekunzwa runyerekupe rwekuti painge pasvika vatori venhau.

Loading...