Ndinotya kurara nemukadzi – Ndinoita panic chaiyo ndikanzwa zvebonde!

0
2157

Ndiri murume ane makore 26. Ndine dambudziko rokuti ndikanzwa vamwe vachitaura nezvebonde kana kungozvifunga ndega, ndinoita panic chaiyo. Ndinotya kurara nemukadzi. Handina kumboita musikana. Ndoita sei?

Nyaya yako inonetsa nokuti unofanira kutanga wanzwisisa kuti yakaitiswa nei. Kana wazvinzwisisa wogadzirisa ichocho chikonzero chacho. Unokwanisa kunge wakaona chimwe chinhu chichiitika uri mwana zvikakutyisa zvokuti uchinazvo mupfungwa, pamwe usingatozivi kuti unazvo.

Zviri nani kuti unoongororwa nevaya vanonzi macouncelors vokuudza chikonzero uye kuti wodii nazvo. Usada kuva nomusikana zvisina kugadziriswa nokuti unokwanisa kumugumbura agokuudza mashoko anotuka anokwanisa kuwedzera dambudziko rako.

Loading...