Ndirikushaiwa shungu nekurara nemukadzi wangu

0
2108

Tete ndine mubvunzo… Ini ndaita dambudziko randoshuvira kuti dai rakurukurwa. Mushure memakore maviri taroorana nemudzimai wangu ndakatanga kunzwa kushaiwa shungu nekurara naye. Handizivi kuti dambudziko ringava papi. Pamwe ingatomira asi shungu chaidzo dzekumuisa ndisina. Chandava kutya ndechekuti iye anenguva dzaanenga achidawo chaizvo asi ndotadza kumuitira zvaaonoda. Saka pamwe achafungira zvakawanda, ndinotyira kuputsika kwemhuri yangu

Mhinduro…

Vanhu vese, varume vevakadzi vanokwanisa kuita nguva yavasina hanya nokuvarara nomurume/mukadzi. Iyi inyaya yokuti dai vanhu vainyatso kunzwisisa kuti inokonzera pfungwa dzakaita sei mumusoro weumwe wako, waikasira kuigadzirisa.

Pane nyaya dzakawanda dzinoputsa dzimba dzevakaroorana. Nyaya yokusasvirwa neumwe wako inyaya huru kwazho. Kana uri munhu ane makore ari pasi pe 50, kufunga kuti umwe wako haana hanya nokusvirana newe chinhu chinoshungurudza zvokuti.

Kana mboro isingamiri kana kuti usina zemo pamukadzi wako, chokutanga zvibvunze kuti kana uchiona kana kufunga vamwe vakadzi mboro inomira here. Kana pasina chinochimisa, zvoreva kuti pane chikonzero chaunofanira kukasira kugadzirisa nokuti chokwadi ndechokuti musha wako uchaparara.

Pane zvikonzero zvimwe zvaunokwanisa kusafungira, sokuti:
Une chirwere che BP
Uri kumwa mushonga unoitisa kusamira kwemboro
Uri kushanda basa nguva yakarebesa
Uri kushanda pauri kufema poison.
Iwe kana mukadzi wako akambohura mukasaregererana zvakanaka
Mukadzi wako akazvara mwana. Mwana anoitisa murume ashaye nguva nomukadzi
Imba yamunogara haina kugara zvakanaka.
Hauna mufaro muupenyu hwako.
Zvokudya zvako hazvina utano.

Loading...

Leave a Reply