Tete Molly Ichokwadi here kuti Magaro mahombe anoita zvinetse kurara nomurume!

0
3440

Nhai Tete Molly, ndibatsireiwo. Ndava nomukomana asi hatisati tamborara tese. Ndichiri mhandara. Ko ichokwadi here kuti magaro mahombe anoita zvinetse kurara nomurume.

Hakuna munhu ane magaro akakura zvokuti anotadza kupinzwa mboro yomurume. Pane beche remukadzi inzvimbo yokuti kana ukada kupinzwa nemberi kana neshure kana kurara nedivi wosimudza gumbo murume opinza. Chero maitiro awada zvinokwanisika. Saizi yemagaro hainei nazvo. Ukaenda kuzvipatara munyika dzese uchaona vanhukadzi vane mimba vakakora zvokuti vachiuya kuzovhenekwa. Zvinoreva kuti pane murume waakarara naye kusvika aita mimba. Usaita nyaya nokusvirana nomurume pasaizi yemagaro.

Loading...

Asi nzwisisa wega kuti kuita muviri wakakurisa zvinokonzera kuti uzokwanisa kuita diabetes kana wati kurei pazera. Chirwere ichi chiri kubatwa nevakawanda uye chinouraya vakawanda. Dai wazama kuderedza muviri zvinova zvinozokubatsirawo pakunyatsoiswa.

Loading...