Tete Molly: Ndikafonera mukadzi anenge achingotaura rough chete – I think she is Cheating?

0
1929

Makadii Tete Molly, ndine mubvunzo ini ndine mukadzi wangu ndoshandira kuSA iye ndakamusiya kumba kuZim pakutanga totaura paphone nepawhatsapp but sometimes anoenda paapp kusvika kana na11 usiku but haataure neni.

Ndikamufonera anenge achingotaura rough chete chete but kare kwanga kusina zvakadai patakatanga kugara tese saka ndakufunga kuti maybe pamwe akawana hake mumwe zvekuti kana kumba kuzim ndirikufunga kusaendako but l love her very much only her handina girlfriend inini but the way yakuita irikundirwadza nenhau yebasa maybe ndogona kuita 11 month ndisina kumboenda asi ndoitasei?

Tete Molly’s Response: Hachisi chinhu chakanaka kusiya mukadzi wako kuZim iwe uchishanda kuSA. Vanhu nzwisisai kuti kufungirana kwese uku hakubvi pakuhura kwemukadzi asi kuti kunobva pakuziva zvawaidai waita iwe dai uriwe mukadzi uyu.

Tinovimba vamwe vanhu sezvatinozvivimba isu pachedu. Kana iwe uchiziva kuti unokwanisa kuhura unobva wafunga kuti vese vanoita saizvozvo. Saka tora mukadzi wako ugare naye kuti pfungwa dzakadai dzisakusvikira.

Comment with your Facebook

comments