I urinate in my hubby’s tea

0
2087

Help me please imba yangu isati yaparara. I love my husband so much but ndaingotyawo kuti angaitewo sevamwe varume vanonetsa. Ambuya vangu, mukadzi wasekuru, hanzvadzi yaamai gave me this tip kuti if I peed in his tea everyday aisazombondinetsa murume wangu. For sure my husband munhu akanyarara, he values my opinion when making decisions. Ndikati uku usaenda anonditeerera. Ndakatukana nambuya vangu over money that she owes me yavasisadi kundipa, now ambuya vangu is threatening to tell him kuti ndaimunwisa weti all this time. Akangozviziva I don’t think he will ever forgive me, kana kuti ndofanotaura hangu ndega? Kuti ndichirega kumunwisa ndotya futi. Ndibetsereiwo. — Mavis, Kwekwe.

Response:TETE MOLLY

Nhai Mavis uri kurarama munyika ipi yaunobvuma kuti mushonga ndiyo inogadzira rudo. Urikundiudza kuti unopa murume wako tea ine weti kuti asanetse, shame on you, inzwi chairo nderekuti uri kuita mabasa ehuroyi. Unombofungawo here zvehutsanana kana utano kana uchiita izvi. Saka uri kuti kunyarara kwake nekuteerera kutsitswa neweti? Ko zvaakambokuda akakuroora anga amwa chiiko?

Loading...

Vakuru vanoti zano unopangwa une rako. Mbuya ava vanoda kuparadza imba yako, chenjera. Kunyange ukaudza murume wako zvinomudya moyo nekuti anofunga kuti wamudyisa zvingani kusvika zvino. Zvakaoma chose asi zviri nane kureurura wega. Chinouya chinowana iwe. Iye zvino ukarega kutaura hauwane mufaro unongogara uchitya kuti pada audzwa (blackmail) pada anyumwa. Hana ine mhosva haina zororo kana wataura chisiyana nambuya ava. Ukangobvuma zvese zvese uchauraya murume wanyeperwa kuti mupfuhwira. Rudo rwatinarwo takapiwa naMwari, grow up Mavis.

Comment with your Facebook

comments