Tete: Zvinotyisa here kutanga kusvirana nemukomana?

0
3387

Tete: Zvinotyisa here kutanga kusvirana nemukomana? Ko kana ane chinhu chihombe zvakanyanya?

Hazvityisi. Usagare uchityiswa nazvo asi nzwisisa kuti kana watorara nemukomana ukabviswa humhandara hazvichakwanisiki kuti uve mhandara kune umwe mukomana waucharara naye. Zviri nani kumirira kusvika wava nemukomana anoda kukuroora.

Kusvirana nemurume asina hanya newe zvinotyisa kupfuura kurara nemurume anokuda chose asi ane “mboro” hombe. Kuva nemboro hombe kana muchinzwisisa nyaya yekuisana hazvina chazvakaipa asi kungoti iwe mirira kusvika wanyorova zasi kwako kuti zvisanyanyorwadza.

Loading...

Varume vakawanda havana mboro dzingadzi dzakakurisa. Mboro dzavo dziripakati pe 12 cm ne 17 cm kana yamira yoita 10cm kusvika pa 15 cm kukora.  Kana wakanatsonyorova uye murume achiterera zvaunomuudza mboro inokwana zvakanaka mukati mebeche rako.  Mazuva ekutanga hazvinatsonaka asi zvinowedzera nenguva.  Usatyiswa nazvo. Itya zvirwere zvechihure. Kana musina kuroorana shandisai makondhomu nguva dzese.

Loading...