Zvokudhonza Matinji Zvinoita kuti SVIRO inyatsonaka – Tips to have Matinji Mahombe

0
15435

Musikana kubva ane makore anosvika 12 anoudzwa nenyaya yokudhonza matinji kuti
arebe kusvika pakubuda zvokuti ukakotama anoonekwa nokumashure. Kudhonza uku
kunotora nguva yakareba kuti zvinyotsoonekwa.

Ini handina kumboona musikana anopima matinji ake kuti aone kuti ari kukura here.
Geza maoko nemvura inodziya, wadaro bvisa bhurugwa wozora mafuta eVhasirina mumaoko
nepamatinji. Wochutanga kuakweva uchiti ukakweva wombobata wakakweva kwekanguva.
Ukahwa zvogwadzisa worega wokweva rimwe. Wodaro uchichinjanisa. Pakudhonza unodhonza pese kuzasi nokumusoro kwematinji ako. Ukangoda kudhonza pakati unongoreba ipapo chete zvosaita zvakanaka. Asi kune vamwe vanotoda SHAPE yakaita se Chipembenene
zvokuti akavhura makumbo ake murume anoona matinji akati rimwe uku rimwe uku akamira semapapiro achipembenene. Kana zvirizvo zvaunoda dhonza kumusoro nezasi worega pakati. Nokuti iwo agara akakura kuno kumusoro, saka mapapiro echipembenene
makuru ari kumusoro.

Zviri kwauri kuti unopedza nguva yakadii uchiita asi zvinoda kuitwa kuda katatu pazuva kana
kupfuura. Ukawanza, anokasirawo kureba. Kuna vamwe vekunyika dzezasi koenda kunaana
Namibia ne South Africa vanodhonza kusvika matinji areba kupfuura 20 cm. Kwedu hatisviki
ikoko tinongoda kuti arebe zvishoma kuda 3 or 4cm. Vamwe vanoti mafuta enzungu ndiwo ari mberi pakudhonzesa. Kuno kudhayasiporo unokwanisa kushandisa OLIVE OIL VIRGIN 1.
Akanaka pamatinji ako. Zvoda uchangobuda mushawa kana mubhavhu pamberi pari
kudziyawo. 

Loading...

continue reading page 2

Comment with your Facebook

comments